Chishona

Wasvika pawebsite inemukurumbira pamatimu emuSweden, pane manzwiranyaya akareba
anofadza uyezve pane mastatistics akawanda anotsanangudza timu yeFC Kabel Åttio yemuGuta
reBorås, inowanikwa makiromita makumi manomwe kumabvazuva kweGothernberg. Nhau
zhinji ne manzwiranyaya ari mumutauro weSwedish, zvisineyi tinokupai mhinzo yemavambo
ekirabhu riri chivaraidzo chikuru pamakirabhu enhabvu muSweden.

FC Kabel Åttio yakavambwa mugore ra1979. Pane mafungiro akasiyana ekuti zuva chairo nderipi.
Vamwe vanoti musi wa12 Nyamavhuvhu, vamwewo vachiti musi wa12 Gunyana vamwe vachiti
muChirimo. Zvisinei chero kirabhu payakavambwa, paiva nevatambi vechidiki vaibva kune imwe
kirabhu inonzi Mariedals IK vaiva nezano rekutanga kirabhu pavaiva parwendo remusangano ku
Gran Canaria kubva musi wa26 Gumiguru kusvika musi wa3 Mbudzi1978. Parizvino Mariedals
IK inozivikanwa pasi rose pamusaka pemusangano mukuru pane wose wenhabvu inotambirwa
mukati memadziro unonzi Mariedal Cup. Khirabhu itsva yakarongwa mugore rakatevera, uyezve
mutambo wekutanga wakatambwa muchirimo chemuna1980. Kirabhu yakanga ichizivikanwa
se FC Kabel IF, asi pasina nguva refu yakachinja kuva FC Kabel Åttio. Kuti sei ichizivikanwa
sekunzi FC Kabel Åttio chitsidzo pakati pavanasakuwana. Zvisinei ichokwadi kuti mavara aya
FC anoreva kuti kirabhu yemafundo (Party Club), (izwi rechiSwedish rinoreva Party i'Fest') kwete
kuti kirabhu yenhabvu (Football Club). Uyezve 'Åttio' chiSwedish zvinoreva makumi masere(80).

Pakutanga FC Kabel Åttio yaikwikwidza mumitambo nhatu, nhabvu, bhora repasi (floorball)
ne bowling. Mumakore makumi maviri (20) apfuura nhabvu ndiyo yega iripa ajenda. Zita
regiraundi rekirabhu rinonzi'Ryda Sportfält' (' Ryda Sports Field') uyezve riripedyo nerwizi Viskan
kuchamhembe nechekumadokero kweBorås. Igiraundi ravose varimunharaunda zvichireva kuti
harinyatsokuchengetedzwa zvakanaka.

Ruvara rekirabhu ibrown uyezve hazvina nezvekuita nepolitics. Nhaurirwa yehembe kuti sei dziri
dzebrown inova:
Muna1979 matezo maviri epaBoard vakawana mari ishoma vakakwanisa kutengera kirabhu
masheti nematirauzi. Vakaenda kumutengesi wenhumbi dzemasports 'Sportjohan' mumusha
mudiki weOlsfors uripedyo ne Borås. Pasina nguva refu vakaziva kuti vaiva nemari shoma
kuti vakwanise kutenga nhumbi itsva. Zvsisnei musanganirano mechitoro vakawana nhumbi
dzebrown dhara uye dzaiva dzakachipa. Vakadzitenga, kubvira kare iwoyu nanhasi FC Kabel
Åttio vanotamba nenhumbi dzebrown.

Unokwanisa kutarisa nhumbi dzedu dzekare pawebpage ino. Enda ku "Galleri & Arkiv"
wobvawatekenya pana "Matchställ".

Zita romusere rekirabhu rinova iro "The brown Brazilians of Borås". Chitariro chekirabhu
chinova chiyevedzo chinoremekedzwa. Chinova negonhi rechimbuzi yepanze. Kuziva kwedu

hapana imwe kirabhu inechitariro chakadaro. Chimwezve chiremekedzo ndechekuti matezo
edu ose epaBoard kubvira muna1980 vachirikushinga mukirabhu. Tinosarudza matezo eBoard
kubvamumatimu edu. Chimwe chishamiso ndechekuti vose vanosevenza mukirabhu vanosevenza
vasina mubhadharo; manija, vanodzidzisa vatambi, vatambi neboard. Izvi zvinoita kuti tirambe.
SeKirabhu isina mari yakawanda hatina mari yekubhadhara masalary.
Kubva muna1980 kusvika 1985 timu yekutanga (first team) yakaenda kumusoro nekuzasi
pakati pechikamu chesere nechenomwe. Kubva muna 1986 kusara kwegore rimwe FC Kabel
Åttio yakatamba muchikamu chetanhatu. Muna2005 takapedza nzendo tiripanzvimbo yeshanu.

2008 rakava gore ratikakwanisa kukwira kupinda muchikamu cheshanu tapedza nzendo
tiripanzvimbo yepiri muchikamu chetanhatu. Mumutambo wekutanga pane muviri
yekutitikwanise kupinda muchikamu cheshanu takakurira Jula BK 1-0 nebhora rakapinda
mumambure nguva yavakupera hatina kutamba mutambo wepiri.

Kirabhu yedu ichava nematimu mana muLeague yemakwikwi muna2009. Timu tekutanga ('A-
laget'), the timu yepiri ('B-laget'), timu yetatu ('old boys', Boys-35 team ('Vets')) netimu yevakadzi
('De bruna bönorna' - The Brown Beans). Tichange tiine timu yeshanu ichange ichikwikwidza
mumashort-term indoor tournaments, timu yevadiki Boys-19 youth team ('juniorerna').

Tine mazvivimbo zvemakore anotevera. Board redu rechipoka chetariro muna Zvita 2002
rakatangisa program ichave inotungamira kirabhu kuti isvike kuUEFA Champions League
mumwaka we2028/29. Tariro yacho inoti FC Kabel Åttio muna2028 inofanira kuva yavaka
giraundi rinokwana vanhu 100 000. Giraundi racho richava riri pane 'Ryda Sportfält' parizvino.
Rwizi 'Viskan' rinofanira kubatanidzwa mukuvaka rwuchiyerera pasi pemumwe wemapoka
anoremekedzwa. Tichava neboka redu reterevizheni 'Kabelvisionen' neimba huru ineSpa.
Parizvino tinongova neimba diki yekupfekera nhumbi nekuchengeta zvinhu zvatinoshandisa
kuRyda Sportfält.

Kirabhu yedu inemukurumbira muSweden mose nokuti zvose zvatinoita zvinoitwa murutsetsi
nekudyidzana kwakanaka. FC Kabel Åttio inozivikanwa kuvanemukurumbira panemareferee ne
vatinokwikwidzana navo.
Muenzaniso mumwe unova kukurira kwedu muMariedal Cup - mutournament yevakomana
vechidiki venemakore gumi nepfumbamwe (19) munhabvu inotambirwa mukati memadziro
(indoor football). Matimu edu anotambira kunakidza vanouya kuzotiona uye, tinouya
nemavateveri akawanda, kunyanya vatambi vemunemamwe matimu edu kuti tikwanise
kuvanemufaro mukuru mukuimba nekushaura. Rumwe ruzha rwunouya pasina mazwi.

Pavateveri vedu pane vatambi vaviri vanotamba mutimu yeSweden, Pontus naAlexander
Farnerud, parizvino vanotamba nhabvu muFrench League mukirabhu yeStrasbourg. Mukoma

nemun'ina ava vanobva kune imwe nzvimbo muSweden, asi vakafarira FC Kabel Åttio
pavakationa muMariedal cup.

Sezvatambo dudza website ino iri mumutauro weSwedish, asi pane mifanikiso yakawanda
yakanaka yekuona.

Kana uchida kutitumira tsamba, titumire usatsondora:
Address yekirabhu inova:
FC Kabel Åttio
c/o Kjörnsberg
Saliviagången 4
507 52 BORÅS

-Translation to Chishona (Zimbabwean language) by Ashley Dobia Mwanza


© Henrik Malm & Johan Rydén

VÄLKOMMEN TILL FC KABEL ÅTTIO
FC Kabel Åttio är en fotbollsförening från Borås med fokus på social samvaro.

Vårt damlag, Bruna bönor, ingår 2023 för första året i ett samarbete med både Byttorps IF och Bergdalens IK. Laget spelar i division fyra. Tyvärr har vi för tillfället inget A-lag för herrar i seriespel. Vi tvingades dra ur de Bruna brassarna ur sexan sommaren 2020. Under många år hade vi även haft ett Squadra B på herrsidan. Veteranlaget spelade fram till 2010 i en P35-serie men är tyvärr vilande i väntan på föryngring.

Föreningen är annars historiskt sett mest känd för de bruna dräkterna och för våra juniorers många uppvisningar i Mariedal Cup.
SENASTE MATCHERNA
KOMMANDE MATCHER
  • 19 juni, 19:00
  • Bruna Bönor - Hemsjö IF
Senaste Krönikan
Johan Rydén

Julen är det bruna hoppets tid


Gräsplanerna på Ryda sportfält var närmast historiskt bra söndagen den 25 september 2016. Jag vet, för jag har haft Ryda som hemmaarena i drygt 30 år och vet hur planerna brukar se ut när det bara är...
Johan Rydén 2016-12-26
Kabel tränar
  • Bönor:

    Måndag, Borås Arena 2 19.00-20.30
  • Bönor:

    Tisdag, Byttorps IP 19.00-20.30
  • Bönor:

    Torsdag, Byttorps IP 19.00-20.30
Stöd kabel - Bli medlem!
Bli medlem
Huvudsponsorer

kabeltips2012

mobile site banner
loader
Stäng